2 Samuel 19:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati: Ndinemhoȿa yeiko nemi, imi ʋanakomana ʋaZeruya, ɀamunoɗa kuʋa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nhasi? Kuŋgaʋurawa munhu mumŋe waIsraeri nhasi here? Munoti handiziʋi here kuti ndiri mambo waIsraeri nhasi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Dhavhidhi akati, “Munei nazvo nhaimi vana vokwaZeruya zvamava kuita sokunge muri kuda kutorwisana neni nhasi uno? Ndiro zuva here ringaurayiwe munhu muIsiraeri irori randava kuziva racho kuti ini ndini mambo weIsiraeri?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati, “Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?”
Shona 2009?
Dhavhidhi akati, "Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?"
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati, “Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurayiwa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?”