2 Samuel 19:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mefibosheti mŋanakomana waSauro wakaɓuruka kuzosoŋgana namambo; asi iye wakaŋga asinakushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka ŋguʋo dzake, kubva pazuʋa rakaenda mambo kuȿikira zuʋa raakadzoka naro norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mefibhosheti muzukuru waSauro akadzikawo kundochingura mambo. Kubvira zuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka zvakanaka, Mefibhosheti uyu haana kumboshamba makumbo ake kana kudimurira ndebvu dzake kana kusuka mbatya dzake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
Shona 2009?
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.