2 Samuel 19:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akapindura, akati: Ishe waŋgu mambo, muranda waŋgu wakandinyeŋgera; nokuti muranda wenyu wakati: Ndicaɀiisira cigaro pamboŋgoro, ndiitaȿe, ndiende namambo, nokuti muranda wenyu cirema;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitaswa, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokuti, “Mambo wangu changamire, ini muranda wenyu ndakaremara. Saka ndakati kumuranda wangu, sungira chityaro padhongi rangu nditasve ndiendewo namambo. Asi muranda wangu Zibha akandinyengedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akapindura akati, “Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, ‘Ndichazviisira chityaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo,’ nokuti muranda wenyu chirema.
Shona 2009?
Iye akapindura akati, "Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, "ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo,' nokuti muranda wenyu chirema.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akapindura akati, “Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, ‘Ndichazviisira chityaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo,’ nokuti muranda wenyu chirema.