2 Samuel 19:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu ʋaifanira kuʋurawa nashe waŋgu mambo; kunyaŋge ɀakaɗaro makagadza muranda wenyu pakati paʋaidya patafura yenyu. Ini ndicinesimba reiko rokucema naro kunamambo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvizvarwa zvose zvasekuru vangu hazvifanirwi nechimwe chinhu asi rufu ruchibva kunashe wangu mambo, asi makapa muranda wenyu nzvimbo pakati paavo vanodya patafura yenyu. Saka ini ndine mvumo yeiko yokukumbirazve kuna mambo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhuri yose yokwababa vangu, chavo chavaifanira kuwana kwamuri mambo changamire rufu chete. Asi imi makatoita zvenyu kuti ini muranda wenyu ndivewo pakati pevanodya pamwechete nemi patafura. Pakadaro chii chingandipe kunge ndichakumbira zvimwe kuna mambo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?”
Shona 2009?
"Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?"
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurayiwa nashe wangu mambo; kunyangwe zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?”