2 Samuel 19:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaBarzirai muGireadi wakaɓuruka ʋo acibva Rogerimi, akayambuka Joridani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJoridani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhazirai muGireadhi akasvikawo achibva kuRogerimi kuti ayambuke Jorodhani namambo uye kuti amuperekedze panzira yake ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bharizirai wokuGireadhi akanga adzika kubva kuRogerimu kuzoperekedza mambo kusvika muna Jorodhani nokumuyambutsa Jorodhani irworwu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaBharizirai muGireadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani.
Shona 2009?
NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani.
Shona SUB 2002 Bible
NaBharizirai muGiriadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJodhani.