2 Samuel 19:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Barzirai wakaŋga ari mutana kwaɀo, wakaŋga aȿika makore anamakumi masere; wakaŋga aʋigira mambo ɀokudya paŋguʋa yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakaŋga akafuma kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Bhazirai akanga akwegura kwazvo, ava namakore makumi masere. Iye akanga achiriritira mambo panguva yaakanga agere paMahanaimi, nokuti akanga ari munhu akapfuma kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhazirai akanga ave harahwa chaiyo, ava namakumi masere amakore. Ndiye akambopa mambo zvokudya paakanga ari kuMahanaimu akanga ari shoroma chaiyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akapfuma kwazvo.
Shona 2009?
Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akafuma kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akapfuma kwazvo.