2 Samuel 19:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhasi ndaʋa namakore makumi masere; ini ndicagona kutsaura ɀakanaka kuneɀakaipa here? Muranda wenyu ucagona kuraʋira ɀakanaka ɀaanodya kana ɀaanonwa here? Ndicagona kunzwa manzwi aʋarume naʋakadzi kana ʋaciimba here? Muranda wenyu ucaremedzereiko ishe waŋgu mambo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndava namakore makumi masere. Ndichagona kuziva mutsauko pakati pechakanaka uye nechisina kunaka here? Ko, muranda wenyu achagona kuravira chaanodya nechaanonwa here? Ko, ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achaitireiko kuti ave mumwe mutoro kuna she wangu mambo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndave harahwa yemakumi masere amakore kudai nhasi uno, chandichazivawo chii, chakaipa kana chakanaka? Munofunga here kuti ini muranda wenyu chokudya chandinodya nechokunwa chandinonwa zvichiri kundinakira here? Zvokuteera varume nevakadzi vanoimba munoti ndichazvigonawo nhai? Madirei zvenyu kuti ini muranda wenyu ndive mumwe mutoro wokukuremedzai mambo changamire?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa mazwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
Shona 2009?
Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanomwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
Shona SUB 2002 Bible
Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa mazwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?