2 Samuel 19:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndindofira haŋgu muguta raŋgu, pamarinda aɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu; asi hoyo muranda wenyu Kimhami, iye ŋgaayambuke nashe waŋgu mambo, mugomuitira iye seɀamunoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Regai muranda wenyu adzokere hake, kuti ndinofira muguta rangu pedyo nehwiro hwababa vangu namai vangu. Asi hoyu muranda wangu Kimihami. Ngaayambuke hake nashe iye mambo. Mumuitire henyu zvose zvinokufadzai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndapota regai zvenyu ini muranda wenyu ndidzokere ndindofira zvangu kuguta rokwangu kuna makuva ababa naamai vangu. Asi muranda wenyuka uyu Kimhamu, ngaayambuke nemi mambo changamire. Ndiye wamungandoitira zvenyu zvamunenge muchida.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.”
Shona 2009?
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda."
Shona SUB 2002 Bible
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.”