2 Samuel 19:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo, ʋakati kunamambo: Hama dzeɗu, ʋarume ʋaJuda, ʋakakuɓireiko, ʋakayambusa mambo naʋeimba yake Joridani, pamŋe cete naʋarume ʋose ʋaDavidi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye varume vose veIsraeri vakauya kuna mambo uye vakati kwaari, “Hama dzedu, varume veJudha, vakabireiko mambo vakamuuyisa neimba yake mhiri kweJorodhani, pamwe chete navanhu vake vose?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vose vokwaIsiraeri vakauya kuna mambo vakabvunza mambo kuti, “Ko idzo hama dzenyu idzi dzokwaJudha dzaizoita zvokukubai sei kutounza imi mambo kuno nokuyambutsa Jorodhani mhuri yokwamambo navarume vamaiva navo vokwaDhavhidhi vose?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, “Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?”
Shona 2009?
Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, "Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vose VaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, “Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?”