2 Samuel 19:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakapindura ʋarume ʋaJuda, ʋakati: Isu tinemigoʋe inegumi kunamambo, naDavidi ndoweɗu kukunda imi; ɀino imi makatiɀidzireiko, ɀamusina‐kutaŋga kuraŋgana nesu pamsoro pokudzosa mambo weɗu? Asi mashoko aʋarume ʋaJuda akaŋga acityisa kukunda mashoko aʋarume ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vokwaIsiraeri vakati kune varume vokwaJudha, “Isu tinotova nemigove gumi muumambo uhu uyewo chedu muna Dhavhidhi tinacho kutopinda imi kwazvo. Ko zvino chamakatishora chii? Hatiziri isu here takava vokutanga kutaura kuti mambo achidzoka?” Asi mhinduro yavarume vokwaJudha yakanga yakaomarara kupfuura mhinduro yavarume vokwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, “Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu?” Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.
Shona 2009?
Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, "Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imwi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu?" Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Varume VaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, “Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu?” Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume VaIsiraeri.