2 Samuel 19:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Joabi akapinda mumba kunamambo, akati: Nhasi manyadza ɀiso ɀaʋaranda ʋenyu ʋose ʋakaponesa ʋupenyu bgenyu nhasi, noʋupenyu bgaʋanakomana naʋanasikana ʋenyu, noʋupenyu bgaʋakadzi ʋenyu, noʋupenyu bgaʋaroŋgo ʋenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo akati, “Nhasi manyadzisa vanhu vose, avo vachangoponesa upenyu hwenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu uye noupenyu hwavakadzi venyu navarongo venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva Joabhu apinda mumba muna mambo ndokuti, “Inga nhasi manyadzisa makurukota ose enyu ari kukununurai upenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu noupenyu hwavakadzi venyu nohwavarongo venyu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, “Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;
Shona 2009?
Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, "Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu bwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, “Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;