2 Samuel 19:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti munoɗa iʋo ʋanokuʋeŋgai, muciʋeŋga ʋanokuɗai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamunehanya namacinda naʋaranda, nokuti nhasi ndaʋona, kuti ɗai Absaromi akaŋga aciri mupenyu, nesu tose takafa heɗu nhasi, maifarira iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munoda avo vanokuvengai uye munovenga avo vanokudai. Mazviratidza pachena nhasi kuti vatungamiri vehondo navanhu vavo havarevi chinhu kwamuri. Ndinoona kuti maifarira kuti dai Abhusaromu ararama nhasi uye kuti dai tose zvedu tafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nezvamuri kuita izvi zvokuda vari kukuvengai muchivenga vari kukudai nokuti muri kutoratidzaka pachena imi kuti hamuna basa navatungamiriri vehondo kana namakurukota. Ndinodaro nokuti dai nhasi Abhusharomu anga ari mupenyu isu tose tirisu tafa, kwamuri ndozvanga zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti dai Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
Shona 2009?
nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti dai Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.