2 Samuel 19:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino simukai, muɓuɗe, mundotaura naʋaranda ʋenyu, muʋanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehova, kuti kana musiŋgaɓuɗi, hakunomunhu uŋgasara nemi ʋusiku bguno; iɀoɀo ɀiŋgaʋa ɀakaipa kwamuri kukunda ɀakaipa ɀose ɀakakuwirai kubva paʋuɗuku bgenyu kuȿikira ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino budai munokurudzira vanhu venyu. Ndinopika naJehovha kuti kana mukasabuda, hakuna munhu achasara nemi usiku huno. Zvichava zvakaipisisa kwamuri kupinda njodzi dzose dzakakuwirai kubva pauduku hwenyu kusvikira zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino chisimukai mubude mundonyengetedza makurukota enyu nokuti ndinopika naTenzi kuti kana musina kubuda, vanhu vose vanokudzvamukai nhasi uno mosara musisina wamunaye usiku hwanhasi. Izvi ndozvingazova zvakaipisisa kwazvo pane zvose zvakambokuwirai kubvira pauduku hwenyu kusvikira pari nhasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemwi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku bwenyu kusvikira zvino."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino.”