2 Samuel 19:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuʋo. Ʋakaʋudza ʋanhu ʋose, ʋaciti: Tarirai, mambo ugere pasuʋo; ʋanhu ʋose ʋakaʋuya pamberi pamambo. Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋatizira mumŋe nomumŋe kutente rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mambo akasimuka akandoisa chigaro chake pasuo. Vanhu vakati vaudzwa kuti, “Mambo agere pasuo,” vose vakauya pamberi pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vakanga vatizira kumisha yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akasimuka akandogara pasuo guru reguta kwakasvitswa shoko kuvanhu rokuti mambo agere kusuo guru. Vanhu vose vakauya kuna mambo. Izvozvo vokwaIsiraeri vakanga vaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, “Tarirai, mambo ugere pasuo;” vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.
Shona 2009?
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, "Tarirai, mambo ugere pasuo;" vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuwo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, “Tarirai, mambo ugere pasuwo;” vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Zvino VaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.