2 Samuel 19:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaciita ɓope kumarudzi ose aʋaIsraeri, ʋaciti: Mambo wakatirwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, akatiponesa pamaʋoko aʋaFiristia, ɀino wabva panyika acitiza Absaromi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumarudzi ose avaIsraeri, vanhu vose vakanga vachikakavadzana vachiti, “Mambo akatisunungura kubva muruoko rwavaFiristia. Asi zvino atiza nyika nokuda kwaAbhusaromu;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vaiitirana nharo mumadzinza ose eIsiraeri vachiti, “Mambo akatinunura kuvavengi vedu. Iye pachake akatinunura kuvaFirisitia asi zvino akatiza munyika muno pamusana paAbhusharomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, “Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
Shona 2009?
Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, "Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose aVaIsiraeri, vachiti, “Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.