2 Samuel 2:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shure kwaiɀoɀo Davidi wakabvunza Jehova, akati: Ndokwira kunerimŋe guta raJuda here? Jehova akati: Kwira. Davidi akati: Ndokwira kuneripi? Iye akati: Hebroni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?” Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, “Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?” Jehovha akati, “Kwira.” Dhavhidhi akati, “Ndokwira kuneripi?” Iye akati, “Hebhuroni.”
Shona 2009?
Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, "Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?" Jehovha akati, "Kwira." Dhavhidhi akati, "Ndokwira kuneripi?" Iye akati, "Hebhuroni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, “Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?” Jehovha akati, “Kwira.” Dhavhidhi akati, “Ndokwira kune ripi?” Iye akati, “Hebhuroni.”