2 Samuel 2:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaJoabi, mŋanakomana waZeruya, naʋaranda ʋaDavidi ʋakaɓuɗa ʋo, ʋakasoŋgana naʋo padziʋa reGibeoni; ʋakagara pasi, ʋamŋe necoʋuno kwedziʋa, ʋamŋe necemhiri kwedziʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu mwanakomana waZeruya namakurukuta okwaDhavhidhi vakabuda vakandosangana navo kudziva rokuGibheoni. Vakagara pasi vakati vamwe kumhiri uku vamwe kumhiri uku padziva ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibheoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.
Shona 2009?
NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.
Shona SUB 2002 Bible
NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibheoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.