2 Samuel 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe nomumŋe akaɓata musoro wowakatarisana naye, ʋakaɓayana neminondo kunhiʋi dzaʋo, naiɀoɀo ʋakawira pasi pamŋe cete; naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Herkati‐haruzimi, iri paGibeoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu oga oga akati dzvi musoro womumwe waakanga akamirisana naye, akati nebakatwa zwi parutivi pewaakanga akamirisana naye vachibva vati pamwechete pasi rikiti. Naizvozvo nzvimbo iyi yakatumidzwa zita rokuti “Guraramapakatwa.” Iri kuGibheoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibheoni.
Shona 2009?
Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibheoni.