2 Samuel 2:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakaramba kutsauka; naiɀoɀo Abineri wakamuɓaya nomuɗumbu necireya cepfumo, pfumo rikaɓuɗa neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafira’po; ɀino ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciȿika pakaŋga pawira Asaheri pasi pakufa kwake, ʋakamira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Asaheri akaramba achingomudzinganisa. Naizvozvo Abhineri akabaya Asaheri padumbu neshure kwepfumo rake, pfumo rikabuda nokumusana. Akawira ipapo ndokubva afa. Uye munhu wose aimira kana angosvika chete panzvimbo pakanga pawira Asaheri akafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Asaheri akaramba angoti naye naye chete. Naizvozvo Abhuneru akabva amuti neshure dhuvhu nomusisi zvokuti pfumo rakati bherevere ndokubuda nokumusana, achibva ati pasi mbonye mbonye, ndiye pakarepo fatata kufa. Vose vakanga vati unga unga paakawira vakamira vakati kanha kutarira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible