2 Samuel 2:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abineri akasheʋedzera kunaJoabi, akati: Ko munondo ucaramba uciŋgoparadza nokusiŋgaperi here? Hauziʋi kuti ɀicaʋaʋa pakupedzisira here? Ucanonoka kuȿikira riniko kuraira ʋanhu kuti ʋadzoke pakuteʋerera hama dzaʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhineri akadanidzira kuna Joabhu achiti, “Ko, munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauoni kuti izvi zvichavava pakupedzisira here? Uchasvika kupiko usati warayira vanhu vako kuti varege kudzinganisana nehama dzavo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuneru akadaidzira kuna Joabhu achiti, “Ko iro bakatwa rokuuraya vanhu risisakandwe pasi, ndohwava upenyu here? Hauzive here kuti magumo acho anorwadza kwazvo? Kusvikira rini chaizvo usati wati vanhu vokwako vadzoke varege kuronda hama dzavo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, “Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?”
Shona 2009?
Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, "Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?"
Shona SUB 2002 Bible
Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, “Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?”