2 Samuel 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akatuma nhume kuʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, akati kwaʋari: Muropafadzwe naJehova, ɀamakaitira ishe wenyu Sauro cinhu ici cakanaka, mukamuʋiga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshigireadhi, akati kwavari, “Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.
Shona 2009?
Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, "Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshi-gireyadhi, akati kwavari, “Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.