2 Samuel 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Amasa haana‐kucenjera munondo wakaŋga uri muruʋoko rwaJoabi; naiɀoɀo akamuɓaya nawo nomuɗumbu, akatumburira ʋura bgake pasi, akasamuɓaya rwecipiri, akafira’po. Joabi nomunuŋuna wake Abishai ʋakateʋerera Sheba mŋanakomana waBikri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Amasa akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, Amasa akafa. Ipapo Joabhu nomunun'una wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Amasa haana kucherechedza bakatwa raiva muroko rwaJoabhu. Joabhu akabva amuti naro dhuvhu mudumbu, ura hwake hukati pasi wodzvo asina kumubaya rwechipiri akabva afa. Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakabva voronda Shebha mwana waBhikiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunun’una wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Shona 2009?
Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.