2 Samuel 20:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Amasa wakaŋga aciʋumburuka muropa rake pakati penzira. Ɀino murume uyu wakati aciʋona kuti ʋanhu ʋose ʋakaramba ʋamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusaŋgo, akamufukidza neŋguʋo, nokuti wakaʋona kuti ʋanhu ʋose, ʋakaȿika kwaari, ʋakaramba ʋamire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Amasa akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana Amasa aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango uye akakanda nguo pamusoro pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo Amasa akanga achitoumburuka muropa pakati pomugwagwa mukuru. Ani naani aisvika nepo aiti akangomuona ombomira. Murume uya paakaona kuti munhu wese ari kumbomirapo akabvisa Amasa pamugwagwa apa akandomuisa musango akamufukidza neimwewo hanzu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
Shona 2009?
Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.