2 Samuel 20:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakandomukomba paAberi reBeti‐maaka, ʋakatutira gomo reʋu paguta, rikaenzana noruȿingo; ʋanhu ʋose ʋaiʋa naJoabi ʋakarwa noruȿiŋgo kuti ʋaruputse.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi vose vaiva naJoabhu vakauya vakamukomba muAbheri kuBhetimaaka. Vakaunganidza ivhu rikaita chinenge musana wenzou chakatsamirana norusvingo ndokubva vava kutigimura rusvingo kuti rukoromokere pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.
Shona 2009?
Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.
Shona SUB 2002 Bible
Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.