2 Samuel 20:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakarega kuteʋera Davidi, ʋakateʋera Sheba mŋanakomana waBikri; asi ʋarume ʋaJuda ʋakanamatira mambo waʋo, kubva paJoridani kuȿikira paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo varume vose vokwaIsiraeri, zvokutevera Dhavhidhi vakabva vakanda pasi ndokubva votevera Shebha mwana waBhikiri. Asi varume vokwaJudha vakaramba vakati kwati kwati namambo wavo kubvira muna Jorodhani kusvikira kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJorodhani kusvikira paJerusaremu.
Shona 2009?
Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJorodhani kusvikira paJerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo varume vose VaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJodhani kusvikira paJerusaremu.