2 Samuel 20:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
haɀizi iɀo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfraimi, unonzi Sheba mŋanakomana waBikri, ndiye wakasimudzira mambo Davidi ruʋoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndicabva paguta. Mukadzi akati kunaJoabi: Tarirai, musoro wake ucakandirwa kwamuri napamsoro poruȿiŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvisiri izvo. Chiripo chete ndechokuti kune mumwe murume anonzi Shebha mwana waBhikiri wokunyika yokwaEfuraimu yamakomo akapandukira mambo Dhavhidhi. Ingoturirai murume iyeyo mumaoko medu ndinobva ndatosiyana neguta rino.” Mukadzi uyu akati, “Chiregai zvenyu muone, muchakandirwa musoro wake napamusoro porusvingo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEruremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.”
Shona 2009?
hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta." Mukadzi akati kuna Joabhu, "Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo."
Shona SUB 2002 Bible
hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.”