2 Samuel 20:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi akaenda kuʋanhu ʋose nokucenjera kwake. Iʋo ʋakagura musoro waSheba mŋanakomana waBikri, ʋakaukandira kunaJoabi. Iye akaridza hwamanda, ʋanhu ʋakapararira ʋakabva paguta, mumŋe nomumŋe akaenda kutente rake. Joabi akadzokera Jerusarema kunamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, uye vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, uye vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nouchenjeri hwake ihwohu mukadzi uyu akaenda kuvanhu vose, vakazodimura Shebha mwana waBhikiri musoro vakaukanda kuna Joabhu. Joabhu ndokubva aridza hwamanda, vanhu vake vakabva vakotonoka paguta iri munhu wese akadzokera kumusha kwake. Joabhu akabva adzokera kuJerusaremu kuna mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible