2 Samuel 20:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akaȿika kumba kwake Jerusarema, mambo akatora ʋakadzi ʋanegumi, iʋo ʋaroŋgo ʋake ʋaakaŋga asiya kuti ʋarinde imba, akaʋaisa panɀimbo paʋaŋgaceŋgetwa, akaʋatumira ɀokudya, asi haana‐kupinda kwaʋari. Naiɀoɀo ʋakapfigirwa kuȿikira pazuʋa rokufa kwaʋo, ʋakagara secirikadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Iye akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akasvika mumuzinda wake muJerusaremu. Mambo akatora varongo vaye gumi vaakanga asiyira kuchengeta musha. Akavaisa mune imwe imba mavaichengetedzwa achivariritira asi haana kumbozopinda mumba navo. Naizvozvo vakazogara vakapfigirwa upenyu hwavo hwose vachigara sechirikadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible