2 Samuel 20:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi akati kunaAmasa: Wakaɗiniko, munuŋuna waŋgu? Joabi akaɓata ndebvu dzaAmasa noruʋoko rwake rworudyi, kuti amuȿete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, munun'una wangu?” Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu ndokuti kuna Amasa, “Ko, wakadiiko munun'una?” Joabhu akabva amuti ndebvu kweshu norudyi rwake kunge kuda kumutsvoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, munun’una wangu?” Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvoda.
Shona 2009?
Joabhu akati kuna Amasa, "Wakadiniko, munun'una wangu?" Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, munun'una wangu?” Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvoda.