2 Samuel 21:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pamazuʋa aDavidi kwakaŋga kunenzara makore matatu akateʋedzana; Davidi akabvunza Jehova. Jehova akati: Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti ʋakaʋuraya ʋaGibeoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakaitika nzara mumazuva aDhavhidhi yakapedza makore matatu akasusukidzana. Dhavhidhi akabva ada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo. Tenzi akati, “Pane mhosva yokudeura ropa yakaparwa naSauro nevemba yokwake nokuti akauraya vanhu vekuGibheoni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibheoni.”
Shona 2009?
Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, "Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibhiyoni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibheoni.”