2 Samuel 21:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rizpa mukunda waAya wakatora makudza, akaɀiwarira iwo pamsoro peɗombo, kubva pakutaŋga kwokukohwa kuȿikira aniwa nemvura yakabva kuɗeŋga; haana‐kutendera shiri dzokuɗeŋga kumhara pamsoro pawo masikati, kana ɀikara ɀesaŋgo ʋusiku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rizipa mwanasikana waAya akatora saga akariwarira paruware kuti awane pokugara kubvira panguva yokutanga kukohwa kusvikira panguva yomunhuruka. Masikati, aisvokodzera shiri dzedenga kuti dzirege kumharapo, usiku achidzingapo zvikara zvesango.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
Shona 2009?
Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.