2 Samuel 21:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Abishai mŋanakomana waZeruya wakamuɓatsira, akaɓaya muFiristia, akamuʋuraya. Ipapo ʋarume ʋaDavidi ʋakapika kwaari, ʋakati: Hamufaniri kuzoenda ɀe nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mŋenje waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akauya kuzomununura akarwisa muFirisitia uyu akamuuraya. Varwi vaDhavhidhi vakapika kwaari kuti, “Hazvimbofa zvakafanira kuitika zvakare kuti imimi mutosimukawo nesu kuenda kuhondo kundorwa kuti murege kudzimisa mwenje weIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, “Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri.”
Shona 2009?
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, "Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, “Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri.”