2 Samuel 21:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akaɗana ʋaGibeoni, akati kwaʋari; (ɀino ʋaGibeoni ʋakaŋga ʋasi ʋaʋana ʋaIsraeri, asi ndiʋo ʋakaŋga ʋasara kuʋaAmori; ndiʋo ʋakaŋga ʋapikirwa naʋaIsraeri; asi Sauro wakatȿaka kuʋaʋuraya nokushiŋgairira kwake ʋana ʋaIsraeri naʋaJuda;)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndokubva adaidza Gibheoni akataura naye. Gibheoni akanga asiri werudzi rumwechete nevaIsiraeri asi ndovamwe vakanga vasara kurudzi rwechiAmoni. VaIsiraeri vakanga vavatsidzira nemhiko kuti vachavasiya vari vapenyu, asi Sauro pamusana peshungu dzake dzokushingairira vanhu vokwaIsiraeri novokwaJudha akanga zvino avauraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akadana vaGibheoni, akati kwavari; “Zvino vaGibheoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori; ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;”
Shona 2009?
Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; "Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;"
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akadana vaGibheoni, akati kwavari; “Zvino vaGibheoni vakanga vasi vavana VaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori; ndivo vakanga vapikirwa naVaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana VaIsiraeri navaJudha;”