2 Samuel 21:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakarwa ɀe paGati, paiʋa nomunhu murefu kwaɀo, waiʋa neminwe mitanhatu paruʋoko rumŋe norumŋe, neɀigunwe ɀitanhatu parutsoka rumŋe norumŋe, ɀaiȿika makumi maʋiri neɀinna pakuʋereŋgwa kwaɀo; naiye ʋo wakaŋga akaɓerekerwa Rafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakaitikazve imwe hondo kuGati, ikoko kwaiva nerimwe zirume rino chairo. Mumaoko raiti uku minwe mitanhatu uku mitanhatu, kutsokawo rakati uku zvigunwe zvitanhatu uku zvitanhatu pamwechete makumi maviri nezvina. Aivawo mumwe wechizvarwa chehofori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva neminwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.
Shona 2009?
Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva nemimwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigumwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva neminwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.