2 Samuel 21:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaGibeoni ʋakati kwaari: Haizi mhoȿa yesirveri kana yendarama pakati peɗu naSauro neimba yake, nesu hatiŋgafaniri kuʋuraya munhu pakati paIsraeri. Iye akati: Camunoreʋa ndicakuitirai ico.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gibheoni akamupindurawo achiti, “Mhosva yedu isu naSauro kana nemhuri yake haisi yokuripwa nesirivha kana ndarama, uyezve hatina mvumo yokuti titi munhu ngaaurayiwe muIsiraeri muno.” Dhavhidhi akati, “Chamunoda kuti ndikuitirei chii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaGibheoni vakati kwaari, “Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri.” Iye akati, “Chamunoreva ndichakuitirai icho.”
Shona 2009?
VaGibhiyoni vakati kwaari, "Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri." Iye akati, "Chamunoreva ndichakuitirai icho."
Shona SUB 2002 Bible
VaGibheoni vakati kwaari, “Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri.” Iye akati, “Chamunoreva ndichakuitirai icho.”