2 Samuel 21:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mambo wakarega Mefibosheti mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waSauro, nokuɗa kwokupika kwakaŋga kuri pakati paʋo pamberi paJehova, pakati paDavidi naJonatani mŋanakomana waSauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, muzukuru waSauro pamusana pemhiko yaDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro yavakapikirana pana Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
Shona 2009?
Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.