2 Samuel 23:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye akasimuka, akaɓaya ʋaFiristia kuȿikira ruʋoko rwake rwaneta, ruʋoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehova akaʋakundisa kwaɀo nomusi iwoyo, ʋanhu ʋakadzoka ʋacimuteʋera, kuzopamba kwoga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akamira akauraya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta asisagone kurega bakatwa rake muchanza pamusana pechinyamunhari. Tenzi akaita basa guru kwazvo rokuti vakunde zuva iroro asi vakazodzokerazve kuzopamba zvinhu pazvitunha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.
Shona 2009?
iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba koga.
Shona SUB 2002 Bible
iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.