2 Samuel 23:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abishai munuŋuna waJoabi, mŋanakomana waZeruya, wakaŋga ari mukuru waʋatatu aʋo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanhu ʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya, akaʋa nomukurumbira pakati paʋatatu aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira mbiri yakada kuita seyevatatu vaye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhishai munun’una waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
Shona 2009?
Abhishai munun'una waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
Shona SUB 2002 Bible
Abhishai munun'una waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.