2 Samuel 23:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Benaya mŋanakomana waJehoiada, mŋanakomana wemhare yeKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehuzha paŋguʋa yecando;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhuzeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzeri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
Shona 2009?
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
Shona SUB 2002 Bible
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;