2 Samuel 23:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucaʋa seciedza camaŋgwanani, kana zuʋa roɓuɗa, Samaŋgwanani kana kusinamakore. Kana ɓumhudza riciɓuɗa pavu Kana mushana woɓuɗa mvura yapera kunaya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
anoita sechiedza chemambakwedza sokupenya kunoita zuva, semangwanani asina kana kakore nechiedza chacho nemvura yokunaya ruswiswi runobva rwamera pasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.’
Shona 2009?
Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.'
Shona SUB 2002 Bible
Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana dova richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.