2 Samuel 23:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko imba yaŋgu haizakaɗaro kunaMŋari here? Nokuti wakaita neni suŋgano isiŋgaperi, Yakanatswa paɀinhu ɀose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwaŋgu kwose, nokuɗa kwaŋgu kwose, Ko haaŋgaɀikurisi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti ndiwo mamiriro akaita imba yangu naMwari here nokuti akaita neni chitenderano chinogara nokusingapere? Zvinhu zvose akatozvironga kare akatozvisimbisa. Angazorega here kuti ndibudirire achindiitirawo zvido zvangu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kwose, nokuda kwangu kwose, Ko haangazvikurisi here?
Shona 2009?
"Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kose, nokuda kwangu kose, Ko haangazvikurisi here?
Shona SUB 2002 Bible
Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kwose, nokuda kwangu kwose, Ko haangazvikurisi here?