2 Samuel 24:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakati apedza kuʋereŋga ʋanhu, hana yake ikamuroʋa. Davidi akati kunaJehova: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino Jehova, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Dhavhidhi apedza kuverenga vanhu kudaro hana yakamutambudza ndokubva ati kuna Tenzi, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita. Zvino ndateterera Tenzi we-e. Ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, "Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa komuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.”