2 Samuel 24:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Gadi akaenda kunaDavidi, akamuʋudza, akati kwaari: Unoɗa kuti makore manomŋe enzara aʋe panyika yako here? Kana unoɗa kutiza pamberi paʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu ʋacikuteʋerera here? Kana unoɗa kuti ɗenda riʋe panyika yako mazuʋa matatu here? Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore manomwe enzara, kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti muno munyika yenyu murohwe nedenda kwamazuva matatu? Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, “Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.”
Shona 2009?
Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, "Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma."
Shona SUB 2002 Bible