2 Samuel 24:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri kubva maŋgwanani kuȿikira paŋguʋa yakaŋga yatarwa, ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paʋanhu, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda kubvira mangwanani kusvikira panguva yakanga yarehwa, kukafa vaIsiraeri zviuru makumi manomwe kubvira kwaDhani kudzamara kundosvika kuBheerishebha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible