2 Samuel 24:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa wakati acitambanudzira ruʋoko rwake kuJerusarema, kuti ariparadze, Jehova akaɀiɗemba pamsoro pecakaipa ico, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza ʋanhu: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raArauna muJebusi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waMwari paakanga zvino oda kuti achiparadza Jerusaremu, Tenzi akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazoita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza vanhu, “Zvakwana, chirega.” Izvozvo mutumwa waTenzi akanga ava paburiro ravaArauna vechiJebhusi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, “Ndizvo, chidzosa ruoko rwako.” Zvino mutumwa waJehovha wakanga amire paburiro raArauna muJebhusi.
Shona 2009?
Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, "Ndizvo, chidzosa ruoko rwako." Zvino mutumwa waJehovha wakanga amire paburiro raArauna muJebhusi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, “Ndizvo, chidzosa ruoko rwako.” Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raArauna muJebhusi.