2 Samuel 24:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi wakati aciʋona mutumŋa wakaŋga aciʋuraya ʋanhu, akataura naJehova, akati: Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita ɀakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi paakaona mutumwa uyu akanga achirakatisa vanhu akanamata kuna Tenzi achiti, “Inga ndakatadza ndakaita zvakaipa. Ko hwai idzi dzakapareiwo? Ndateterera dai maranga zvenyu ini nevemba yokwababa vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, “Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.”
Shona 2009?
Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, "Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, “Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.”