2 Samuel 24:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akati kunaJoabi mukuru wehondo wakaŋga anaye: Enda ɀino, upote namarudzi ose aIsraeri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, uʋereŋge ʋanhu, ndiziʋe kuwanda kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akataurira Joabhu navatungamiriri wehondo yake, waaiva naye achiti, “Chienda ubvongodze nomumadzinza okwaIsiraeri neokwaJudha kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha uchiverenga vanhu ndigoziva kuti kune vanhu vangani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, “Enda zvino, upote namarudzi ose aIsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.”
Shona 2009?
Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, "Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, “Enda zvino, upote namarudzi ose aIsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.”