2 Samuel 24:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaawedzere hake kuʋanhu, ʋapfuʋure aʋa runezana pakuwanda kwaʋo, nameso ashe waŋgu ŋgaaɀiʋone; asi ishe waŋgu mambo unotȿakireiko cinhu ici?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Hongu zvazvo dai Tenzi, Mwari wenyu akawedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino mugotozvionawo nameso enyu imi mambo changamire. Asi nhai mambo changamire, ko, madireiko kuita chinhu chakadai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu akati kuna mambo, “Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?”
Shona 2009?
Joabhu akati kuna mambo, "Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?"
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu akati kuna mambo, “Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava rune zana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?”