2 Samuel 3:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Abineri akatuma nhume kunaDavidi kwaakaŋga ari, akati: Nyika iyi ndeyaniko? Akati: Ita suŋgano neni, ruʋoko rwaŋgu ruʋe newe, ndiʋuyise ʋaIsraeri ʋose kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuneru akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kundoti, “Muridzi wenyika ino ndiani? Imi neni ngatiitei chibvumirano. Zviripo ndezvizvi ini ndichakubatsirai kuunganidza Isiraeri yose kwamuri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, “Nyika iyi ndeyaniko? Akati, ‘Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.’ ”
Shona 2009?
Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, "Nyika iyi ndeyaniko? Akati, `Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, “Nyika iyi ndeyaniko? Akati, ‘Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise VaIsiraeri vose kwauri.’ ”