2 Samuel 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Ɀakanaka, ndicaita suŋgano newe, asi ndinokuʋudza cinhu cimŋe, kuti hauŋgaʋoni ciso caŋgu, kana usiŋgaʋuyi naMikari, mukunda waSauro, kana uciʋuya kuzoʋona ciso caŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Zvakanaka, ngatiitei zvedu chibvumirano. Asi chinhu chimwechete chandinokumbira kwauri ndechichi chokuti: handidi kuonana newe kusatoti wauya naMikari, mukunda waSauro paunouya kuzondiona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.”
Shona 2009?
Akati, "Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.”